Anda di halaman 1dari 3

Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.

*
● Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.*
● Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.*
● Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi *vaMoyo).*
●Munda mutsva unonzi *gombo.*
● Tinorima nzungu nenyimo *mutseu.*
● Tinorima muriwo *mubindu.*
● Munda waimborimwa kare unonzi *gura.*
●Tinorima mupunga *mudoro.*
● Murume abve zera anonoka kuroora anonzi *tsvimborume.*
● *Mhanje* mukadzi asingabereki.
● *Ngomwa* murume asingabereki.
● *Pfunda* murume akafirwa nemukadzi.
● Mukadzi akafirwa nemurume anonzi *chirikadzi.*
●*Nherera* mwana akafirwa nevabereki.
● *Musiyiwa* munhu akafirwa.
● *Tsiru* imombe hadzi isati yabereka.
● Mombe hono inosungwa inonzi *dhonza.*
● *Mhou* imombe hadzi inobereka.
● *Ramba* imombe hadzi isingabereki.
● *Mufushwa* muriwo wakaomeswa.
● Nyama yakaomeswa inonzi *chimukuyu.*
● *Shupa* izai risingatsotsonywi.
● *Gavamwedzi* mwana anozvarwa nguva isati yasvika.
● Nyemba isingaibvi inonzi *nhinhi.*
● *Manda* mafuta enyama.
● *Horomba* igudo guru rinofamba roga.
● *Chitunha* muviri wemunhu akafa.
● Munhu asinganzwi anonzi *matsi.*
● Pakabva zino panosara *vende* kana kuti *nyada.*
● *Bofu* munhu asingaoni.
● *Chimumumu* munhu asingatauri.
● Mwana anozvarwa akafa anonzi *gambe.*
● Makudo anorara *pachiro.*
● *Nzuma* imombe isina nyanga.
● *Tsote* imhuka hadzi isingabereki.
● Mombe hono isina kuchekwa inonzi *handa.*
● *Dore* imombe yakwegura.
●Munin'ina kana mukoma wemurume wako anonzi *muramu.*
● Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi *vagota.*
● Mukadzi washe wokutanga anonzi *mukaranga.*
● *Vahosi* mukadzi mukuru paguru.
● *Murongo* mukadzi mutsva.
●*Nyachide* mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.
● *Mukurungai* mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha
wako.
● *Gota* imba inorara vakomana.
● *Nhanga* imba inorara vasikana.
●Murume akwegura anonzi *harahwa.*
● Mukadzi akwegura anonzi *chembere.*
●Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi *tsikombi.*
● Musikana asingaroorwi anonzi *mbonga.*
● Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi *durika.*
● Munhu akafa karekare anonzi *mukare.*
● Wedzinza rako akafa karekare anonzi *tateguru.*
● Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi *goremucheche.*
●Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi *bikiro.*
● *Bombwe* mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.
● *Fende* munhu anehutsvina.
● *Bondwe* mukadzi wechipiri pabarika ari munin'ina wemukadzi wekutanga.
● Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi *chirigo.*
● *Bakuro* chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.
● *Chigadzamapfihwa* mukadzi wenhaka.
● *Chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya
kuzoroorwa nemurume akafirwa.
● *Chimwayange* munhu anotaurisa uye achinyepa.
● *Humburukwa* murume akafirwa nemukadzi.
● *Gwevedzi* munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.
● *Mbeveve* munhu asingatauri.
● Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi * nduma*
sechiratidzo cherudo rwavo.
● *Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika
kana kuti pachipari.
● Mukadzi mudiki paguru anonzi *mukadzinyina.*
● *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi
mukadzi wake.
● *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume
anenge achida kuroora musikana waane ukama naye.
● *Danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.
● Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi *mvana.*
● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi
*sadombo.*
● *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume
mumwe chete, panguva imwe chete.
● Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.*
● Munhu anotya zvikuru anonzi *gwara.*
● *Mhizha* inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.
● *Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa
vanhu vapedza kusvusvura.
● *Chifemba* idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.
● Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi *chiwanano.*
● Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi *chirairo.*
● Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi *chisvusvuro.*
● *Hurudza* murimi anemukurumbira.
● *Nyamukuta* munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.
● *Chirara* indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.
●*Dongo* musha wakatamiwa.

Anda mungkin juga menyukai