Anda di halaman 1dari 3

(no subject)

1 message

joah chipamba <joachipamba@gmail.com> Sun, Sep 3, 2017 at 08:03


Draft

*ZIVAI MUTAURO WENYU*


Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.*
Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.*
Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.*
Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi *vaMoyo).*
Munda mutsva unonzi *gombo.*
Tinorima nzungu nenyimo *mutseu.*
Tinorima muriwo *mubindu.*
Munda waimborimwa kare unonzi *gura.*
Tinorima mupunga *mudoro.*
Murume abve zera anonoka kuroora anonzi *tsvimborume.*
*Mhanje* mukadzi asingabereki.
*Ngomwa* murume asingabereki.
*Pfunda* murume akafirwa nemukadzi.
Mukadzi akafirwa nemurume anonzi *chirikadzi.*
*Nherera* mwana akafirwa nevabereki.
*Musiyiwa* munhu akafirwa.
*Tsiru* imombe hadzi isati yabereka.
Mombe hono inosungwa inonzi *dhonza.*
*Mhou* imombe hadzi inobereka.
*Ramba* imombe hadzi isingabereki.
*Mufushwa* muriwo wakaomeswa.
Nyama yakaomeswa inonzi *chimukuyu.*
*Shupa* izai risingatsotsonywi.
*Gavamwedzi* mwana anozvarwa nguva isati yasvika.
Nyemba isingaibvi inonzi *nhinhi.*
*Manda* mafuta enyama.
*Horomba* igudo guru rinofamba roga.
*Chitunha* muviri wemunhu akafa.
Munhu asinganzwi anonzi *matsi.*
Pakabva zino panosara *vende* kana kuti *nyada.*
*Bofu* munhu asingaoni.
*Chimumumu* munhu asingatauri.
Mwana anozvarwa akafa anonzi *gambe.*
Makudo anorara *pachiro.*
*Nzuma* imombe isina nyanga.
*Tsote* imhuka hadzi isingabereki.
Mombe hono isina kuchekwa inonzi *handa.*
*Dore* imombe yakwegura.

Munin'ina kana mukoma wemurume wako anonzi *muramu.*


Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi *vagota.*
Mukadzi washe wokutanga anonzi *mukaranga.*
*Vahosi* mukadzi mukuru paguru.
*Murongo* mukadzi mutsva.
*Nyachide* mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.
*Mukurungai* mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.
*Gota* imba inorara vakomana.
*Nhanga* imba inorara vasikana.
Murume akwegura anonzi *harahwa.*
Mukadzi akwegura anonzi *chembere.*
Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi *tsikombi.*
Musikana asingaroorwi anonzi *mbonga.*
Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi *durika.*
Munhu akafa karekare anonzi *mukare.*
Wedzinza rako akafa karekare anonzi *tateguru.*
Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi *goremucheche.*
Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi *bikiro.*
*Bombwe* mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.
*Fende* munhu anehutsvina.
*Bondwe* mukadzi wechipiri pabarika ari munin'ina wemukadzi wekutanga.
Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi *chirigo.*
*Bakuro* chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.
*Chigadzamapfihwa* mukadzi wenhaka.
*Chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa.
*Chimwayange* munhu anotaurisa uye achinyepa.
*Humburukwa* murume akafirwa nemukadzi.
*Gwevedzi* munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.
*Mbeveve* munhu asingatauri.
Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi *nduma* sechiratidzo cherudo rwavo.
*Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari.
Mukadzi mudiki paguru anonzi *mukadzinyina.*
*Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurume kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
*Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama
naye.
*Danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.
Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi *mvana.*
Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.*
*Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete.
Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.*
Munhu anotya zvikuru anonzi *gwara.*
*Mhizha* inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.
*Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura.
*Chifemba* idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.
Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi *chiwanano.*
Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi *chirairo.*
Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi *chisvusvuro.*
*Hurudza* murimi anemukurumbira.
*Nyamukuta* munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.
*Chirara* indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.
*Dongo* musha wakatamiwa.

   *MHUKA NEVANA VADZO*

Hwai - shere
Gava - hambwana
Inda - rakadzi
Kamba - shasha
Garwe - ganyamatope
Tsuro - nhowa
Shumba - handa
Rwaivhi - mandishaya
Hove - rereza
Katsi - chidharimbo
Shoko - maidei/shokorana
Mbira - chiduwa
Njiri - chinjerete
Mvuu - handachibvuwa
Bimha - tsvana
Mbeva - manditeya
Nyuchi - zana
Datya - zunguzurwa/buruvuru
Nzou - mhuru
Huku - nhiyo
Gudo - rushiye
Munhu - rusvava.
**** NGATICHENGETE RUZIVO URWU TISAZONYEPERA VANA NEKUTI VACHAUYA NAZVO NEHOMEWORK****

Anda mungkin juga menyukai