Chishona Kutapira
Chishona Kutapira
● *Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti
pachipari.
● *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
● *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida
kuroora musikana waane ukama naye.
● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.*
● *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete,
panguva imwe chete.
● *Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza
kusvusvura.
Hwai - shere
Gava - hambwana
Inda - rakadzi
Kamba - shasha
Garwe - ganyamatope
Tsuro - nhowa
Shumba - handa
Rwaivhi - mandishaya
Hove - rereza
Katsi - chidharimbo
Shoko - maidei/shokorana
Mbira - chiduwa
Njiri - chinjerete
Mvuu - handachibvuwa
Bimha - tsvana
Mbeva - manditeya
Nyuchi - zana
Datya - zunguzurwa/buruvuru
Nzou - mhuru
Huku - nhiyo
Gudo - rushiye
Munhu - rusvava.