Anda di halaman 1dari 6

CHISHONA KUTAPIRA

● Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *dangwe.*

● Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi *gotwe.*

● Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi *nevanji.*

● Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi *vaMoyo).*

●Munda mutsva unonzi *gombo.*

● Tinorima nzungu nenyimo *mutseu.*

● Tinorima muriwo *mubindu.*

● Munda waimborimwa kare unonzi *gura.*

●Tinorima mupunga *mudoro.*

● Murume abve zera anonoka kuroora anonzi *tsvimborume.*

● *Mhanje* mukadzi asingabereki.

● *Ngomwa* murume asingabereki.

● *Pfunda* murume akafirwa nemukadzi.

● Mukadzi akafirwa nemurume anonzi *chirikadzi.*

●*Nherera* mwana akafirwa nevabereki.

● *Musiyiwa* munhu akafirwa.

● *Tsiru* imombe hadzi isati yabereka.

● Mombe hono inosungwa inonzi *dhonza.*

● *Mhou* imombe hadzi inobereka.

● *Ramba* imombe hadzi isingabereki.

● *Mufushwa* muriwo wakaomeswa.

● Nyama yakaomeswa inonzi *chimukuyu.*


● *Shupa* izai risingatsotsonywi.

● *Gavamwedzi* mwana anozvarwa nguva isati yasvika.

● Nyemba isingaibvi inonzi *nhinhi.*

● *Manda* mafuta enyama.

● *Horomba* igudo guru rinofamba roga.

● *Chitunha* muviri wemunhu akafa.

● Munhu asinganzwi anonzi *matsi.*

● Pakabva zino panosara *vende* kana kuti *nyada.*

● *Bofu* munhu asingaoni.

● *Chimumumu* munhu asingatauri.

● Mwana anozvarwa akafa anonzi *gambe.*

● Makudo anorara *pachiro.*

● *Nzuma* imombe isina nyanga.

● *Tsote* imhuka hadzi isingabereki.

● Mombe hono isina kuchekwa inonzi *handa.*

● *Dore* imombe yakwegura.

●Munin'ina kana mukoma wemurume wako anonzi *muramu.*

● Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi *vagota.*

● Mukadzi washe wokutanga anonzi *mukaranga.*

● *Vahosi* mukadzi mukuru paguru.

● *Murongo* mukadzi mutsva.

●*Nyachide* mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.

● *Mukurungai* mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.


● *Gota* imba inorara vakomana.

● *Nhanga* imba inorara vasikana.

●Murume akwegura anonzi *harahwa.*

● Mukadzi akwegura anonzi *chembere.*

●Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi *tsikombi.*

● Musikana asingaroorwi anonzi *mbonga.*

● Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi *durika.*

● Munhu akafa karekare anonzi *mukare.*

● Wedzinza rako akafa karekare anonzi *tateguru.*

● Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi *goremucheche.*

●Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi *bikiro.*

● *Bombwe* mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.

● *Fende* munhu anehutsvina.

● *Bondwe* mukadzi wechipiri pabarika ari munin'ina wemukadzi wekutanga.

● Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi *chirigo.*

● *Bakuro* chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.

● *Chigadzamapfihwa* mukadzi wenhaka.

● *Chimutsamapfiwa* mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa


nemurume akafirwa.

● *Chimwayange* munhu anotaurisa uye achinyepa.

● *Humburukwa* murume akafirwa nemukadzi.

● *Gwevedzi* munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.

● *Mbeveve* munhu asingatauri.


● Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi *nduma* sechiratidzo
cherudo rwavo.

● *Nyachide* mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti
pachipari.

● Mukadzi mudiki paguru anonzi *mukadzinyina.*

● *Gupuro* imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.

● *Chekaukama* imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida
kuroora musikana waane ukama naye.

● *Danga* imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.

● Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi *mvana.*

● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi *sadombo.*

● *Barika* kana kuti *guru* musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete,
panguva imwe chete.

● Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi *muzvere.*

● Munhu anotya zvikuru anonzi *gwara.*

● *Mhizha* inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.

● *Charavanda* mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza
kusvusvura.

● *Chifemba* idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.

● Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi *chiwanano.*

● Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi *chirairo.*

● Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi *chisvusvuro.*

● *Hurudza* murimi anemukurumbira.

● *Nyamukuta* munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.

● *Chirara* indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.

●*Dongo* musha wakatamiwa.


*MHUKA NEVANA VADZO*

Hwai - shere

Gava - hambwana

Inda - rakadzi

Kamba - shasha

Garwe - ganyamatope

Tsuro - nhowa

Shumba - handa

Rwaivhi - mandishaya

Hove - rereza

Katsi - chidharimbo

Shoko - maidei/shokorana

Mbira - chiduwa

Njiri - chinjerete

Mvuu - handachibvuwa

Bimha - tsvana

Mbeva - manditeya

Nyuchi - zana

Datya - zunguzurwa/buruvuru

Nzou - mhuru

Huku - nhiyo

Gudo - rushiye
Munhu - rusvava.

Anda mungkin juga menyukai